NDODA KUZIVA ZVIMWE

Iwe neni takafanana

Iwe neni, nemumwe munhu wese pasi pano, tinoda zvinhu zvitatu: kudiwa, kukosha nekugamuchirwa

Ko ndikakuudza kutindinoziva zvaungaita kuti zvido izvo zvitatu zvizadziswe?

Ko ndikakuti handina kana chimwe chandiri kutengesa?

Ko ndikakuudza kuti zvido izvi hazvishandirwi, zvinongopiwa sechipo?

Unoona, pakaita nguva muupenyu hwangu yandanga ndisina rugare, tariro nechinangwa zvandava nazvo. Ndaitarisa nyika ndichivimba kuti upenyu hune zvinodarika zvandaiona.

Asi mumwe munhu akatorawo nguva kundiudza nezvaMwari anondida zvikuru uye ane chinangwa netariro neupenyu hwangu. Anga asiri Mwari ari kure, asi aida kuti ndigare naye zvachose kudenga pandinofa rimwe zuva.

Asi ndakaita dambudziko. Kudenga kwakanakisa asi ini handina! Saka handaikwanisa kuendako. Asi Mwari akandiitira nzira kuburikidza nemwana wake Jesu Kristu, uyo akauya pasi kuzofira zvivi zvangu. Mushure memazuva matatu akabva amuka zvakare, kuratidza kuti anga ari wechokwadi.

Saka ndakakoka Jesu kuti atyaire upenyu hwangu ariye. . Ndakamukumbira ruregerero nezvakaipa zvandanga ndaita, ndikakumbira simba rekumuraramira, kwete kuzviraramira.

Unoziva zvakazoitika? Ndakawana tariro dzva, rugare nechinangwa. Zvanga zviri zvomweya. Uye hazvisati zvapera!

ZVINO, KO IWE?

Wakagadzirira here mavambo matsva muupenyu? Bhaibheri rinoti tikapupura Jesu semutungamiri/mambo muupenyu hwedu, tava zvisikwa zvitsva… zvakare zvapfuura uye zvose zvava zvitsva!

Hoyo mubvunzo unokosha?

“Chii chingakutadzisa kupa upenyu hwako hwese kuna Jesu nhasi?”

Kutya? Kusaziva? Kuda kufanana nevamwe? Kana kungoti haufariri kufunga nezveupenyu hunotevera? Zvimwe unofunga kuti Mwari ane zvakakosha kudarika iwe zvekubata.

Heino nhau yakanaka.Mwari anokuda! Tikareurura zvitadzo zvedu kuna Jesu, anozviregerera zvose… chete… zvisinei kuti zvihombe kana zvidiki sei. Chaungamirira chii?

Teerera zvinotiendesa kudenga:

Kubvuma kuti ndakatadza. Ndiri mutadzi. Mwari haangaregi chitadzo kana chimwe chichipinda kudenga, nekuti rinenge risisiri denga.

Kutenda mumoyo kuti Jesu akauya zveshuwa kuzofira zvitadzo zvangu, akamuka zvekare, kuratidza kuti ndewechokwadi.

Kureurura zvitadzo zvangu nekukumbira ruregerero rwake rukuru.Ude kutsauka pazvivi zvose nebetsero yaMwari. Reva Jesu saMambo naMuponesi wangu, mutungamiri wangu.

Haugoni kuchenesa upenyu hwako usati wauya kuna Mwari. Unofana kuuya sezvauri. Haafadzwi nekuchena kana kunatsa kwedu, nekuti iye haana chivi zvachose. Anotikokera kuti tiregerwe tisunungurwe!

Saka, unofungei? Chii chingakutadzisa kukumbira Jesu ave mambo weupenyu hwako nhasi? Hapana?

Zvino, unoda kunamata munamato uyu kubva mumoyo mako izvezvi?

Namata hako munamato uyu nemuromo wako kana uchirevesa mumoyo mako.

““Jesu,
Ndinoreurura kuti ndakatadza uye ndiri mutadzi. Ndine urombo nezvivi zvangu Ndinotenda kuti makandifira mukamuka. Saka ndinoreurura zvivi zvangu kwamuri. Ndiregerereiwomundipe mavambo matsva. Ndokumbira muve mambo nemutungamiri wemoyo wangu. Chindibatsirai kuti ndikuraramirei. Ndinokutendai nerudo neruregerero zvenyu zvikuru. Ndonamata muzita raJesu… Ameni!”

MAKOROKOTO!

Kana wanamata uchirevesa kubva mumoyo, Mwari akunzwa izvezvi. Akuregerera zvitadzo nezvinyangadzo zvese zvawakamboita. Zvisinei kuti zvivi zvako zvaiva zvidiki kana zvihombe, zvaregererwa. Wava nemavambo matsva!

Izvi ndozvaungaite kuti rudo rwako kuna Mwari rurambe rwakasimba:

Verenga bhaibheri unamate mazuva ose.Ndinokukurudzira utange nekuverenga Bhuku raJohane. Richakuudza zvaJesu nerudo rwake rukuru kwauri. Kunamata kungotaura naMwari. Mutende nezvakanaka zveupenyu hwako uchikumbirawo njere munguva dzakaoma muupenyu.

Tsvaga Kereke yekupinda inotenda kuBhaibheri, ichiparidza kuziva Jesu pachako sezvawava kuita.

Bhapatidzwa nemvura. Zvinobva zvanyatsa kuvharana muoyo mako uye kuzvipira kwako kunobva kwasimba. Kereke yako inogona kukubatsira nazvo.

Zadzwa naMweya Mutsvene. Kumbira Mwari akuzadze mazuva ese neMweya wake, nekukupa zvipo zvake. Zvitsauko zvishanu zvekutanga zvaMabasa Avaapostora zvichakubatsira.

Udza mumwe munhu pese paunogona nezvemunamato wawaita nhasi, nekuregererwa kwawaitwa naJesu

Chekupedzisira. Nditumirewo email pa frostygrapes@oasiswm.org undiudze nezvesarudzo yako kuita Jesu mambo weupenyu hwako? Pamwe ndokekutanga kako kuita izvi, kana kuti wakamborasika mumweya ukazodzoka kumusha. Zvisinei, ndingafara kunzwa kubva kwauri.

Hawo ma Website anogona kukubatsira kukura mukutenda kwako kutsva:

www.needhim.org, www.oneminutewitness.org, ne www.oasisworldministries.org.




ZVOKUVERENGA

Features
Features
Features