Chii chingakutadzisa kunyasopa upenyu hwako kuutongi nerudo zvaJesu Kristu, anova Mwari ega akakufira IWE?
Wakagadzirira here kufa Manheru anhasi usina kuregererwa naye? Kana usina, wakatogadzirira kugamuchira Jesu izvezvi. Sezvakuna Mwari anokuda zvakadzama, kuna Satan anokuvengawo zvakadzamisa. Anokupa zvikonzero zvinokukonesa kupa upenyu nemoyo kuna Jesu. Saka Bhaibheri richimuti ‘baba venhema.
Kana kuti hausati woda kusiya zvimwe zvivi muupenyu hwako. Hazvisi zvitsva. Tese tinofanira kuraramira Jesu zuva rimwe panguva. Kana chivi chako chaunodisa chichikudzivisa rudo rwaMwari nekupinda denga, chinokosha zvekudaro here? Chivi vhipi vhaunosiya chichatsiviwa nemufaro nerugare zvakakura kuchidarika. Ndokuvimbisa izvi.
Dana zvako kuna Mwari usiye zvikoneso zvose shure kwako. Schakubatsira mazuva ose.
Nyatsofunga. Unofunga kuti Mwari anochengeta pasi rose anongogona kupindura minamato 20 basi? Unofunga kuti unofana kumira mumutsetse, kana kuchenesa upenyu hwako Mwari asati akunzwa?
Bhaibheri rinoti haadi kuti chero munhu upi (IWE) apostane nedenga. Dai waiva wega mutadzi panyika, aingouya zvakadaro kuti akufire nekumuka kuti ugoregererwa.!
Akakumirira kuti uuye kwaari. Mangwanani ose panobuda zuva, ari kutaura newe achikuratidza kunaka kwake. Usamirire rimwe zuva. Hauzivi zuva rako rekupedzisira panyika kuti ndirini. Unogona kuva nechokwadi kuti unoenda kudenga ukangodana kwaari.
Kana uchida izvi, enda kunyaya iri Ndoda-kuziva-zvimwe pakanzi.
Kunyanya kwakawanda sei? Mwari anotipatsanura kuti ‘vatadzi vakanaka’ kana ’vatadzi vakashata’ here?
Bhaibheri rinotiudza kuti TOSE takatadza, saka HAPANA anogona kupinda denga, nekuti rinenge risisina kunakisa. Nyangwe zvivi zvedu zvichinge zvakakurisa kana zviri zvidiki, tose hatikwani. Tose tiri vatadzi.
Asi rudo rwaMwari runofukidza zvivi ZVOSE. Nyangwe pakafa Jesu, paiva nemhondi mbiri dzakarovererwawo naye. Mumwe akashora Jesu asi mumwe akakumbira ruregerero kuna kwaari. Jesu akabvuma.
Kunatsa kwako kunokupinza denga here? Unozvitemba here kuti mabasa ako akakwana? Mufungo uyu une matambudziko maviri
Rekutanga mubvunzo, Mabasa akanaka anodiwa kuti upinde denga mangani? Ko kana akasakwana nerimwe chete?
Dambudziko repiri nderekuti, “Kana ndaigona kupinda denga nemabasa angu, nei Jesu akazouya panyika kuzofa?”
Bhaibheri rinotidzidzisa kuti hatigoni KUSHANDIRA denga… chipo chinopiwa pachena! Asi ndinofanira kuchigamuchira nokutenda.
Mabasa akanaka anokosha kwazvo, asi hapana rimwe rinogona kubvisa zvivi zvedu. Jesu basi nebasa rake pamuchinjikwa ndozvingatiponesa..
Saka zvikonzero zvakwana? Yasvika nguva yekudana kuna Mwari umukumbire kutngamira upenyu hwako. Mukumbire akuregerere ave Mambo, Muponesi neMutungamiri weupenyu hwako. Ichava sarudzo yakanakisa yawakamboita.