Ndichangomupa upenyu hwangu

MAKOROTO!

Ndafara kwazvo kuti wanamatira kuti Jesu ave mambo wemwoyo hwako. Aya mavambo matsva anonakidza. Ndoziva kuti zvakatora kushinga nekutenda, asi Mwari anzwa munamato wako.

Zvawaita Jesu mambo wako, achakupa nzira, kutungamira kugadzikana nerugare.Upenyu huchatangawo keundeka. Ukaitawo matambudziko, unogona kumhanya kwaari mumunamato.


NGATITARISE ZVEKARE ZVINONZI NEBHAIBHERI ZVINGATIZIVISA KUTI TINOENDA KUDENGA.

I call it the ABCs:

Kubvuma kuti ndakatadza Ndiri mutadzi. Mwari haangaregi chitadzo kana chimwe chichipinda kudenga, nekuti rinenge risisiri denga.

Kutenda mumoyo ikuti Jesu akauya zveshuwa kuzofira zvitadzo zvangu, akamuka zvekare, kuratidza kuti ndewechokwadi.”

Kureurura zvitadzo zvangu nekukumbira ruregerero rwake rukuru Ude kutsauka pazvivi zvose nebetsero yaMwari. Reva Jesu saMambo naMuponesi wangu, mutungamiri wangu.

Sezvawava kuziva, hawaigoni kuchenesa upenyu hwako usati wauya kuna Mwari. Waifana kuuya sezvauri. Haafadzwi nekuchena kana kunatsa kwedu, nekuti iye haana chivi zvachose. Anotikokera kuti tiregerwe tisunungurwe!

Saka ndofunga munamato wako waifanana neuyu:

“Jesu,

Ndinoreurura kuti ndakatadza uye ndiri mutadzi. Ndine urombo nezvivi zvangu Ndinotenda kuti makandifira mukamuka. Saka ndinoreurura zvivi zvangu kwamuri. Ndiregerereiwomundipe mavambo matsva. Ndokumbira muve mambo nemutungamiri wemoyo wangu. Chindibatsirai kuti ndikuraramirei. Ndinokutendai nerudo neruregerero zvenyu zvikuru. Ndonamata muzita raJesu… Ameni!”

Kana wakanamata uchirevesa kubva mumoyo, Mwari akakunzwa ipapo ipapo. Akuregerera zvitadzo nezvinyangadzo zvese zvawakamboita. Zvisinei kuti zvivi zvako zvaiva zvidiki kana zvihombe, zvaregererwa. Wava nemavambo matsva!

IZVI NDOZVAUNGAITE KUTI RUDO RWAKO KUNA MWARI RURAMBE RWAKASIMBA:

Verenga bhaibheri unamate mazuva ose. Ndinokukurudzira utange nekuverenga Bhuku raJohane. Richakuudza zvaJesu nerudo rwake rukuru kwauri. Kunamata kungotaura naMwari. Mutende nezvakanaka zveupenyu hwako uchikumbirawo njere munguva dzakaoma muupenyu.

Tsvaga Kereke yekupinda inotenda kuBhaibheri, ichiparidza kuziva Jesu pachako sezvawava kuita. Kana Uchida kubatsirwa kuiwana, nditumire email ndigokubatsira. Bhapatidzwa nemvura. Zvinobva zvanyatsa kuvharana muoyo mako uye kuzvipira kwako kunobva kwasimba. Kereke yako inogona kukubatsira nazvo. Zadzwa naMweya Mutsvene. Kumbira Mwari akuzadze mazuva ese neMweya wake, nekukupa zvipo zvake. Zvitsauko zvishanu zvekutanga zvaMabasa Avaapostora zvichakubatsira. Udza mumwe munhu pese paunogona nezvemunamato wawaita nhasi, nekuregererwa kwawaitwa naJesu.

Chekupedzisira. Nditumirewo email pa frostygrapes@oasiswm.org undiudze nezvesarudzo yako kuita Jesu mambo weupenyu hwako? Zvinhu zviri kukufambira sei? Une mibvunzo here yandingakubatsira nayo? Ndingakunamatira sei? Pamwe ndokekutanga kako kuita izvi, kana kuti wakamborasika mumweya ukazodzoka kumusha. Zvisinei, ndingafara kunzwa kubva kwauri.

www.needhim.org, www.oneminutewitness.org, ne www.oasisworldministries.org.




ZVOKUVERENGA

Features
Features
Features